1 Chronicles 26:17 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kumabvazuʋa kwakaŋga kunaʋaRevi ʋatanhatu, kurutiʋi rwokumsoro zuʋa rimŋe nerimŋe ʋanna, kurutiʋi rwezasi zuʋa rimŋe nerimŋe ʋanna, ʋuye paɗura ʋaʋiri‐ʋaʋiri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kumabvazuva kwainge kuine vaRevhi vatanhatu pazuva, kurutivi rwokumusoro kuine vana pazuva, zasi kuine vana pazuva uye vaviri panguva imwe chete padura.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kumabvazuva kwainge kuna vaRevhi vatanhatu pazuva kuchamhembe, vana pazuva, kumaodzanyemba, vana pazuva vaviri vaviri padzimba dzokuchengetera zvinhu,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kumabvazuva kwakanga kuna vaRevhi vatanhatu, kurutivi rwokumusoro zuva rimwe nerimwe vana, kurutivi rwezasi zuva rimwe nerimwe vana, uye padura vavirivaviri.
Shona 2009?
Kumabvazuva kwakanga kuna vaRevhi vatanhatu, kurutivi rwokumusoro zuva rimwe nerimwe vana, kurutivi rwezasi zuva rimwe nerimwe vana, uye padura vaviri-vaviri.
Shona SUB 2002 Bible
Kumabvazuva kwakanga kuna vaRevhi vatanhatu, kurutivi rwokumusoro zuva rimwe nerimwe vana, kurutivi rwezasi zuva rimwe nerimwe vana, uye padura vaviri–vaviri.