1 Chronicles 27:23 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi Davidi haana‐kuʋereŋga ʋamakore makumi maʋiri naʋaɗuku kwaʋari; nokuti Jehova wakataura kuti ucawanza ʋaIsraeri, ʋaʋe senyeredzi dzokuɗeŋga.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Dhavhidhi haana kuverenga varume vaiva namakore makumi maviri zvichidzika, nokuti Jehovha akanga avimbisa kuti vaIsraeri vaizowanda senyeredzi dziri mudenga.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pakuverenga vanhu, Dhavhidhi haana kuverenga vaiva vasingasvitse makumi maviri amakore pazera nokuti Tenzi akanga atsidzira Isiraeri kuti achavawanza senyenyedzi dzedenga.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi Dhavhidhi haana kuverenga vamakore makumi maviri navaduku kwavari; nokuti Jehovha akataura kuti achawanza vaIsiraeri, vave senyeredzi dzokudenga.
Shona 2009?
Asi Dhavhidhi haana kuverenga vamakore makumi maviri navaduku kwavari; nokuti Jehovha akataura kuti achawanza vaIsiraeri, vave senyeredzi dzokudenga.
Shona SUB 2002 Bible
Asi Dhavhidhi haana kuverenga vamakore makumi maviri navaduku kwavari; nokuti Jehovha akataura kuti achawanza VaIsiraeri, vave senyenyedzi dzokudenga.