1 Chronicles 27:24 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Joabi mŋanakomana waZeruya wakataŋga kuʋereŋga, asi haana‐kupedza; kutsamŋa kwaJehova kukamukira ʋaIsraeri nemhoȿa iyi; ʋuye haʋana‐kuisa kuwanda kwaʋo pamakoronike amambo Davidi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Joabhu mwanakomana waZeruya akatanga kuverenga varume ava asi haana kuzopedza. Kutsamwa kwakauya pamusoro peIsraeri nokuda kwokuverengwa uku, saka uwandu uhu hauna kuiswa mubhuku renhoroondo dzegore negore raMambo Dhavhidhi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Joabhu mwanakomana wavaZeruya akatangisa kuverenga vanhu, asi haana kupedza. Kunyange zvakadaro Mwari akavirukira Isiraeri nehasha pamusana paizvozvi nezvo uwandi hwavo hauna kuzonyorwa muNhoroondo dzaMambo Dhavhidhi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Joabhu mwanakomana waZeruya akatanga kuverenga, asi haana kupedza; kutsamwa kwaJehovha kukamukira vaIsiraeri nemhosva iyi; uye havana kuisa kuwanda kwavo pamakoronike amambo Dhavhidhi.
Shona 2009?
Joabhu mwanakomana waZeruya akatanga kuverenga, asi haana kupedza; kutsamwa kwaJehovha kukamukira valsiraeri nemhosva iyi; uye havana kuisa kuwanda kwavo pamakoronike amambo Dhavhidhi.
Shona SUB 2002 Bible
Joabhu mwanakomana waZeruya akatanga kuverenga, asi haana kupedza; kutsamwa kwaJehovha kukamukira VaIsiraeri nemhosva iyi; uye havana kuisa kuwanda kwavo pamakoronike amambo Dhavhidhi.