1 Chronicles 27:25 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mutariri wefuma yamambo wakaŋga ari Asmaveti mŋanakomana waAdieri mutariri wefuma yapaminda, napamaguta, napamisha, neyapanhare, wakaŋga ari Jonatani mŋanakomana waUzia;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Azimavheti mwanakomana waAdhieri aiva muchengeti wamatura amambo. Jonatani mwanakomana waUzia aiva muchengeti wamatura kumaruwa okure, mumaguta, mumisha neshongwe dzavarindi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Aiva wokuona nezvemaichengeterwa upfumi hwokwamambo ndiAzimavheti mwanakomana waAdhieri. Jonatani mwanakomana waUziya ndiye aiva wokuona nezvemaichengeterwa upfumi hwomumaruwa nomumaguta nomumisha nomunhare dzakavakirirwa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mutariri wepfuma yamambo akanga ari Azimavheti mwanakomana waAdhieri mutariri wepfuma yapaminda, napamaguta, napamisha, neyapanhare, akanga ari Jonatani mwanakomana waUziya;
Shona 2009?
Mutariri wefuma yamambo akanga ari Azimavheti mwanakomana waAdhieri mutariri wefuma yapaminda, napamaguta, napamisha, neyapanhare, akanga ari Jonatani mwanakomana waUziya;
Shona SUB 2002 Bible
Mutariri wepfuma yamambo akanga ari Azimavheti mwanakomana waAdhieri mutariri wepfuma yapaminda, napamaguta, napamisha, neyapanhare, akanga ari Jonatani mwanakomana waUziya;