1 Chronicles 27:29 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mutariri wamapoka eɀipfuwo, ɀaifura paSharoni, wakaŋga ari Shitrai muSharoni, ʋuye mutariri wamapoka aigara pamipata, wakaŋga ari Shafati mŋanakomana waAdrai;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Shitirai muSharoni, aiva mutariri wemombe dzaiva mumipata.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Aiva wokuona nezvamatanga emombe aifudzirwa kuSharoni ndiShitirai wokuSharoni ikoko. Wokumatanga emombe dzaiva kumakan'a ndiShafati mwanakomana waAdhirai.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mutariri wamapoka ezvipfuo, zvaipfura paSharoni, akanga ari Shitirai muSharoni, uye mutariri wamapoka aigara pamipata, akanga ari Shafati mwanakomana waAdhirai;
Shona 2009?
Mutariri wamapoka ezvipfuwo, zvaifura paSharoni, akanga ari Shitirai muSharoni, uye mutariri wamapoka aigara pamipata, akanga ari Shafati mwanakomana waAdhirai;
Shona SUB 2002 Bible
Mutariri wamapoka ezvipfuo, zvaipfura paSharoni, akanga ari Shitirai muSharoni, uye mutariri wamapoka aigara pamipata, akanga ari Shafati mwanakomana waAdhirai;