1 Chronicles 28:1 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Davidi wakaʋuŋganidza paJerusarema macinda ose aIsraeri, macinda amarudzi, naʋakuru ʋamapoka aiɓatira mambo vaciita mapoka, naʋakuru ʋeɀuru, naʋakuru ʋamazana, naʋatariri ʋenhumbi dzose nefuma yose yamambo naʋanakomana ʋake, pamŋe cete naʋaranda naʋanesimba, ʋarume ʋose ʋoʋumhare.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Dhavhidhi akarayira vabati veIsraeri vose kuti vaungane paJerusarema: vabati pamusoro pamarudzi, vatungamiri vamapoka aishandira mambo, vatungamiri vezviuru navatungamiri vamazana, navabati vaichengeta zvinhu nezvipfuwo zvamambo uye navanakomana vake, pamwe chete navabati vomumuzinda wamambo, varume vane simba nemhare dzose dzakashinga.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Dhavhidhi akaunganidza kuJerusaremu vakuru vakuru vose veIsiraeri vaiti: vakuru vakuru vamadzinza navakuru vakuru vezvikwata zvaishandira mambo navatungamiriri vezviuru navamazana nevokuchengeteswa upfumi nezvipfuwo zvamambo navanakomana vake pamwechete navakuru vakuru vomumuzinda nemagamba aye okurwa hondo navarume vose nyanzvi dzehondo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Dhavhidhi akaunganidza paJerusaremu machinda ose aIsiraeri, machinda amarudzi, navakuru vamapoka aibatira mambo vachiita mapoka, navakuru vezviuru, navakuru vamazana, navatariri venhumbi dzose nepfuma yose yamambo navanakomana vake, pamwechete navaranda navane simba, varume vose voumhare.
Shona 2009?
Zvino Dhavhidhi akaunganidza paJerusaremu machinda ose aIsiraeri, machinda amarudzi, navakuru vamapoka aibatira mambo vachiita mapoka, navakuru vezviuru, navakuru vamazana, navatariri venhumbi dzose nefuma yose yamambo navanakomana vake, pamwechete navaranda navane simba, varume vose voumhare.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Dhavhidhi akaunganidza paJerusaremu machinda ose aIsiraeri, machinda amarudzi, navakuru vamapoka aibatira mambo vachiita mapoka, navakuru vezviuru, navakuru vamazana, navatariri venhumbi dzose nepfuma yose yamambo navanakomana vake, pamwechete navaranda navane simba, varume vose voumhare.