1 Chronicles 28:18 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
nokurema kwendarama yakanatswa yeartari yeɀinonhuwira; nendarama yomufananidzo weŋgoro, wamakerubi akatambanudza mapapiro awo, acifukidza areka yesuŋgano yaJehova.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
uye uremu hwegoridhe rakanatswa nearitari yezvinonhuwira. Akamupawo mufananidzo wengoro iyo ina makerubhi egoridhe akatambanudza mapapiro awo achifukidza areka yesungano yaJehovha.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
kukati atari yorusenzi yokugadzirwa nendarama chaiyo yakanakisisa nokuremawo kwayo. Akamuzivisawo mamiriro aizoita chikochikari chendarama chemakerubhu aizenge akatambanudza mapapiro awo akafukidza bhokisi raTenzi rechitenderano.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
nokurema kwendarama yakanatswa yearitari yezvinonhuwira; nendarama yomufananidzo wengoro, wamakerubhi akatambanudza mapapiro awo, achifukidza areka yesungano yaJehovha.
Shona 2009?
nokurema kwendarama yakanatswa yearitari yezvipfungaidzo zvinonhuhwira; nendarama yomufananidzo wengoro, wamakerubhi akatambanudza mapapiro awo, achifukidza areka yesungano yaJehovha.
Shona SUB 2002 Bible
nokurema kwendarama yakanatswa yeatari yezvinonhuwira; nendarama yomufananidzo wengoro, wamakerubhi akatambanudza mapapiro awo, achifukidza areka yesungano yaJehovha.