1 Chronicles 28:2 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo mambo Davidi akasimuka, akamira namakumbo ake, akati: Cindinzwai hama dzaŋgu, naʋanhu ʋaŋgu! Kana ndirini, ndakaŋga ndiciti mumŋoyo maŋgu ndicaʋakira areka yesuŋgano yaJehova necitsiko caMŋari weɗu imba yokuzorora; ɀino ndakaŋga ndagadzira ɀose ɀokuʋaka naɀo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mambo Dhavhidhi akasimuka akamira akati, “Teererai kwandiri, hama dzangu navanhu vangu. Zvakanga zviri mumwoyo mangu kuti ndivake imba senzvimbo yokuzororera yeareka yesungano yaJehovha, kuti zvive chitsikiro chetsoka dzaMwari wedu, uye ndakaita urongwa hwokuivaka.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mambo Dhavhidhi akasimuka akati, “Chimbondinzwaiwo hama dzangu nemi vanhu vangu, ndakanga ndine pfungwa mumwoyo mangu yokuti ndivakire bhokisi raTenzi rechitenderano imba yokuti rizorore ivewo pokuisa tsoka dzake. Zvino ndakatogadzirira zvokuvaka.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo mambo Dhavhidhi akasimuka, akamira namakumbo ake, akati, “Chindinzwai hama dzangu, navanhu vangu! Kana ndirini, ndakanga ndichiti mumwoyo mangu ndichavakira areka yesungano yaJehovha nechitsiko chaMwari wedu imba yokuzorora; zvino ndakanga ndagadzira zvose zvokuvaka nazvo.
Shona 2009?
Ipapo mambo Dhavhidhi akasimuka, akamira namakumbo ake, akati, "Chindinzwai hama dzangu, navanhu vangu! Kana ndirini, ndakanga ndichiti mumoyo mangu ndichavakira areka yesungano yaJehovha nechitsiko chaMwari wedu imba yokuzorora; zvino ndakanga ndagadzira zvose zvokuvaka nazvo.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo mambo Dhavhidhi akasimuka, akamira namakumbo ake, akati, “Chindinzwai hama dzangu, navanhu vangu! Kana ndirini, ndakanga ndichiti mumwoyo mangu ndichavakira areka yesungano yaJehovha nechitsiko chaMwari wedu imba yokuzorora; zvino ndakanga ndagadzira zvose zvokuvaka nazvo.