1 Chronicles 28:20 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Davidi akati kunaSoromoni mŋanakomana wake: Simba, utsuŋge mŋoyo, uɀiite; usatya kana kuvunduswa, nokuti Jehova Mŋari, iye Mŋari waŋgu, unewe; haaŋgakuregi, kana kukusiya, kuȿikira maɓasa ose okushumira nawo paimba yaJehova apedzwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Dhavhidhi akatiwo kumwanakomana wake Soromoni, “Simba utsunge mwoyo, uye uite basa iri. Usatya kana kuora mwoyo, nokuti Jehovha Mwari, Mwari wangu anewe. Haachazokusiyi kana kukurasa, kusvikira basa rose rokushandira temberi yaJehovha rapera.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Dhavhidhi akati kumwanakomana wake Soromoni, “Shinga utsunge mwoyo uzviite. Usatye kana kupazamiswa musoro nokuti Tenzi Mwari, iye Mwari wangu anewe. Haambokusiya uri woga kana kukurega uchikundikana kusvikira basa rose rinofanira kuitwa remba yaTenzi rapera.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Dhavhidhi akati kuna Soromoni mwanakomana wake, “Simba, utsunge mwoyo, uzviite; usatya kana kuvunduswa, nokuti Jehovha Mwari, iye Mwari wangu, anewe; haangakuregi, kana kukusiya, kusvikira mabasa ose okushumira nawo paimba yaJehovha apedzwa.
Shona 2009?
Zvino Dhavhidhi akati kuna Soromoni mwanakomana wake, "Simba, utsunge moyo, uzviite; usatya kana kuvunduswa, nokuti Jehovha Mwari, iye Mwari wangu, anewe; haangakuregi, kana kukusiya, kusvikira mabasa ose okushumira nawo paimba yaJehovha apedzwa.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Dhavhidhi akati kuna Soromoni mwanakomana wake, “Simba, utsunge mwoyo, uzviite; usatya kana kuvunduswa, nokuti Jehovha Mwari, iye Mwari wangu, anewe; haangakuregi, kana kukusiya, kusvikira mabasa ose okushumira nawo paimba yaJehovha apedzwa.