1 Chronicles 28:21 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino tarira, ndiwo mapoka aʋaprista naʋaRevi, ʋaŋgaɓata maɓasa ose eimba yaMŋari; ʋuye ɀe pamaɓasa ose ucaʋa nemhizha dzose dzinoɗa kuɓata nomŋoyo wadzo maɓasa amarudzi ose; naʋakuru naʋanhu ʋose ʋacaterera cose mirairo yako.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mapoka avaprista navaRevhi akagadzirira kuisa basa rose rapatemberi yaMwari, uye murume wose anoda uye ane umhizha hupi nehupi pamabasa amaoko achakubatsira pabasa iri rose. Vabati vose navanhu vose vachateerera kurayira kwako kwose.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvikwata zvavapristi nevaRevhi zvokuita basa rose remba yaTenzi ndizvozvi izvi. Munhu wose ane chido nebasa, nyanzvi pabasa ripi neripi zvaro ndovaunavoka iwe. Vakuru vakuru navanhu vose chaunenge wangoda kuti vaite, vanoita.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino tarira, ndiwo mapoka avapristi navaRevhi, vangabata mabasa ose eimba yaMwari; uyezve pamabasa ose uchava nemhizha dzose dzinoda kubata nomwoyo wadzo mabasa amarudzi ose; navakuru navanhu vose vachaterera chose mirairo yako.”
Shona 2009?
Zvino tarira, ndiwo mapoka avaprista navaRevhi, vangabata mabasa ose eimba yaMwari; uyezve pamabasa ose uchava nemhizha dzose dzinoda kubata nomoyo wadzo mabasa amarudzi ose; navakuru navanhu vose vachateerera chose mirairo yako."
Shona SUB 2002 Bible
Zvino tarira, ndiwo mapoka avapristi navaRevhi, vangabata mabasa ose eimba yaMwari; uyezve pamabasa ose uchava nemhizha dzose dzinoda kubata nomwoyo wadzo mabasa amarudzi ose; navakuru navanhu vose vachaterera chose mirairo yako.”