1 Chronicles 28:4 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi Jehova, Mŋari waIsraeri, wakanditsaura paimba yose yaɓaɓa ʋaŋgu kuti ndiʋe mambo waIsraeri nokusiŋgaperi; nokuti wakatsaura Juda kuti aʋe mutuŋgamiriri; paimba yaJuda akatsaura imba yaɓaɓa ʋaŋgu; pakati paʋanakomana ʋaɓaɓa ʋaŋgu wakandifarira ini, akandiita mambo waʋaIsraeri ʋose.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Asi Jehovha, Mwari waIsraeri, akandisarudza kubva kumhuri yangu yose kuti ndive mambo pamusoro paIsraeri nokusingaperi. Akasarudza Judha kuti ave mhuri yangu, uye kubva muvanakomana vababa vangu akafadzwa nokundiita mambo pamusoro peIsraeri.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kunyange zvakadaro zvazvo Tenzi, Mwari weIsiraeri akasarudza ini mumhuri yose yababa wangu kuti ndive mambo weIsiraeri narini wose nokuti akasarudza vokwaJudha kuti vave vokutungamirira. Mumba maJudha imomo akasarudza mhuri yokwababa vangu, muvanakomana vababa vangu akafadzwa neni akandigadza umambo hweIsiraeri yose.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi Jehovha, Mwari waIsiraeri, akanditsaura paimba yose yababa vangu kuti ndive mambo waIsiraeri nokusingaperi; nokuti akatsaura Judha kuti ave mutungamiriri; paimba yaJudha akatsaura imba yababa vangu akandifarira ini, akandiita mambo wavaIsiraeri vose.
Shona 2009?
Asi Jehovha, Mwari waIsiraeri, akanditsaura paimba yose yababa vangu kuti ndive mambo waIsiraeri nokusingaperi; nokuti akatsaura Judha kuti ave mutungamiriri; paimba yaJudha akatsaura imba yababa vangu akandifarira ini, akandiita mambo wavaIsiraeri vose.
Shona SUB 2002 Bible
Asi Jehovha, Mwari waIsiraeri, akanditsaura paimba yose yababa vangu kuti ndive mambo waIsiraeri nokusingaperi; nokuti akatsaura Judha kuti ave mutungamiriri; paimba yaJudha akatsaura imba yababa vangu akandifarira ini, akandiita mambo waVaIsiraeri vose.