1 Chronicles 28:5 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino pakati paʋanakomana ʋaŋgu ʋose (nokuti Jehova wakandipa ʋanakomana ʋazhinji) wakatsaura mŋanakomana waŋgu Soromoni, kuti agare pacigaro coʋushe caJehova munaIsraeri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pavanakomana vangu vose, uye Jehovha akandipa vakawanda kwazvo, iye akasarudza mwanakomana wangu Soromoni kuti agare pachigaro choumambo hwaJehovha pamusoro paIsraeri.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pavanakomana vangu vose (nokuti Tenzi akandipawo vana vakomana vakawanda) akasarudza mwana wangu Soromoni kuti agare pachigaro choumambo hwaTenzi muIsiraeri.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino pakati pavanakomana vangu vose (nokuti Jehovha akandipa vanakomana vazhinji) akatsaura mwanakomana wangu Soromoni, kuti agare pachigaro choushe chaJehovha muna Isiraeri.
Shona 2009?
Zvino pakati pavanakomana vangu vose nokuti Jehovha akandipa vanakomana vazhinji akatsaura mwanakomana wangu Soromoni, kuti agare pachigaro choushe chaJehovha muna Isiraeri.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino pakati pavanakomana vangu vose (nokuti Jehovha akandipa vanakomana vazhinji) akatsaura mwanakomana wangu Soromoni, kuti agare pachigaro choushe chaJehovha muna Isiraeri.