1 Chronicles 28:8 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiɀoɀo ɀino, pamberi paʋaIsraeri ʋose, neʋuŋgano yose yaJehova, Mŋari weɗu aciɀinzwa, ceŋgetai nokutȿaka mirairo yose yaJehova Mŋari wenyu; kuti nyika ino yakanaka iʋe yenyu, mugoisiyira ʋana ʋenyu ʋanokuteʋerai, iʋe nhaka yaʋo nokusiŋgaperi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Saka zvino ndinokurayira pamberi peIsraeri yose uye napamberi peungano yaJehovha, uye Mwari wedu achinzwa: Chenjerera kuti utevere kurayira kwose kwaJehovha senhaka kuvana vako nokusingaperi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Saka zvino pamberi peIsiraeri yose, gungano rose raTenzi, Mwari weduwo achizvinzwa, chengetai munyatsodzidza mirao yose yaTenzi, Mwari wenyu kuti nyika ino yakanaka ive yenyu mugoisiyirawo senhaka kuvana venyu vachauya mushure menyu nokusingaperi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Naizvozvo zvino, pamberi pavaIsiraeri vose, neungano yose yaJehovha, Mwari wedu achizvinzwa, chengetai nokutsvaka mirairo yose yaJehovha Mwari wenyu; kuti nyika ino yakanaka ive yenyu, mugoisiyira vana venyu vanokuteverai, ive nhaka yavo nokusingaperi.
Shona 2009?
"Naizvozvo zvino, pamberi pavaIsiraeri vose, neungano yose yaJehovha, Mwari wedu achizvinzwa, chengetai nokutsvaka mirairo yose yaJehovha Mwari wenyu; kuti nyika ino yakanaka ive yenyu, mugoisiyira vana venyu vanokuteverai, ive nhaka yavo nokusingaperi.
Shona SUB 2002 Bible
“Naizvozvo zvino, pamberi paVaIsiraeri vose, neungano yose yaJehovha, Mwari wedu achizvinzwa, chengetai nokutsvaka mirairo yose yaJehovha Mwari wenyu; kuti nyika ino yakanaka ive yenyu, mugoisiyira vana venyu vanokuteverai, ive nhaka yavo nokusingaperi.