1 Chronicles 28:9 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino iwe Soromoni, mŋanakomana waŋgu, ziʋa Mŋari waɓaɓa ʋako, umushumire nomŋoyo wakarurama, ʋuye nomŋeya unoɗa kwaɀo; nokuti Jehova unonɀera mŋoyo yose, unonzwisisa ndaŋgariro dzose dzemifuŋgo; kana ukamutȿaka, iye ucawanikwa newe; asi kana ukamusiya, iye ucakurasha nokusiŋgaperi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Newewo mwanakomana wangu Soromoni, ziva Mwari wababa vako, uye umushumire nomwoyo wose uye nepfungwa dzako dzose, nokuti Jehovha anonzvera mwoyo uye anonzwisisa chinangwa chipi nechipi chiri mupfungwa. Ukamutsvaga achawanikwa newe, asi kana ukamurasa, iye achakuramba nokusingaperi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Zvino Soromoni mwanangu, ziva Mwari wababa vako umushandire nomwoyo wose uye nomwoyo unoda nokuti Tenzi anoonyatsoongorora mwoyo yose uye anoziva pane mwoyo womunhu nezviri mupfungwa. Ukanyatsotsvaka Mwari unomuwanawo, asi kana ukamufuratira iye achakurasa narini wose.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Zvino iwe Soromoni, mwanakomana wangu, ziva Mwari wababa vako, umushumire nomwoyo wakarurama, uye nomweya unoda kwazvo; nokuti Jehovha anonzvera mwoyo yose, anonzwisisa ndangariro dzose dzemifungo kana ukamutsvaka, iye achawanikwa newe; asi kana ukamusiya, iye achakurasha nokusingaperi.
Shona 2009?
"Zvino iwe Soromoni, mwanakomana wangu, ziva Mwari wababa vako, umushumire nomoyo wakarurama, uye nomweya unoda kwazvo; nokuti Jehovha anonzvera moyo yose, anonzwisisa ndangariro dzose dzemifungo kana ukamutsvaka, iye achawanikwa newe; asi kana ukamusiya, iye achakurasha nokusingaperi.
Shona SUB 2002 Bible
“Zvino iwe Soromoni, mwanakomana wangu, ziva Mwari wababa vako, umushumire nomwoyo wakarurama, uye nomweya unoda kwazvo; nokuti Jehovha anonzvera mwoyo yose, anonzwisisa ndangariro dzose dzemifungo kana ukamutsvaka, iye achawanikwa newe; asi kana ukamusiya, iye achakurasha nokusingaperi.