1 Chronicles 29:10 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Davidi akakudza Jehova pamberi peʋuŋgano yose; Davidi akati: Imi mukudzwe, Jehova, Mŋari waIsraeri ɓaɓa ʋeɗu nokusiŋgaperi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Dhavhidhi akarumbidza Jehovha pamberi peungano yose achiti: “Rumbidzwai imi Jehovha, Mwari wababa vedu Israeri, kubva kusingaperi kusvika kusingaperi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Naizvozvo Dhavhidhi akarumbidza Tenzi ari pamberi pegungano rose; Dhavhidhi akati, “Mwari ngaarumbidzwe, iyemi Tenzi, Mwari wavaIsiraeri baba wedu nokusingapere.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Dhavhidhi akakudza Jehovha pamberi peungano yose; Dhavhidhi akati, “Imi mukudzwe, Jehovha, Mwari waIsiraeri baba vedu nokusingaperi.
Shona 2009?
Zvino Dhavhidhi akakudza Jehovha pamberi peungano yose; Dhavhidhi akati, "Imwi mukudzwe, Jehovha, Mwari waIsiraeri baba vedu nokusingaperi.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Dhavhidhi akakudza Jehovha pamberi peungano yose; Dhavhidhi akati, “Imi mukudzwe, Jehovha, Mwari waIsiraeri baba vedu nokusingaperi.