1 Chronicles 29:11 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋukuru ndobgenyu, Jehova, nesimba, nokubginya, nokukunda, noʋumambo; nokuti ɀose ɀiri kuɗeŋga neɀiri pasi nde‐ɀenyu; ʋushe ndobgenyu, Jehova, makakudzwa muri musoro weɀose.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ukuru nesimba ndezvenyu, imi Jehovha nokukudzwa noushe nokubwinya, nokuti zvose zviri kudenga napasi ndezvenyu. Umambo ndohwenyu, imi Jehovha munokudzwa somusoro wezvose.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ukuru nesimba nembiri nokukunda noumambo ndezvenyu imi Tenzi nokuti zvose zviri mumatenga napasi pano ndezvenyu. Umambo ndohwenyu imi Tenzi uye ndimi munokudzwa somusoro wezvose.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ukuru ndohwenyu, Jehovha, nesimba, nokubwinya, nokukunda, noumambo; nokuti zvose zviri kudenga nezviri pasi ndezvenyu; ushe ndohwenyu, Jehovha, makakudzwa muri musoro wezvose.
Shona 2009?
Ukuru ndobwenyu, Jehovha, nesimba, nokubwinya, nokukunda, noumambo, nokuti zvose zviri kudenga nezviri pasi ndezvenyu; ushe ndobwenyu, Jehovha, makakudzwa muri musoro wezvose.
Shona SUB 2002 Bible
Ukuru ndohwenyu, Jehovha, nesimba, nokubwinya, nokukunda, noumambo; nokuti zvose zviri kudenga nezviri pasi ndezvenyu; ushe ndohwenyu, Jehovha, makakudzwa muri musoro wezvose.