1 Chronicles 29:14 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi ini ndini ani, naʋanhu ʋangu cinyiko, ɀatiŋgagona kupa nomŋoyo wose kuɗai? Nokuti ɀose ɀinobva kwamuri, takaŋgokupai ɀakabva paruʋoko rwenyu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Asi ini ndini aniko, uye vanhu vangu ndivananiko, kuti tingakwanisa kupa zvakawanda kudai? Zvose zvinobva kwamuri, uye tangokupai chete zvinobva mumaoko enyu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Ko ndiri aniwo zvangu panguwo pano? Kana ivo vanhu vangu chiiwo zvavo, kubva tatokwanisawo kubvisa zvipo kudai nomwoyo unoda; nokuti zvinhu zvose zvinobva kwamuri. Tangotorawo pane zvenyu tikakupaiwo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Asi ini ndini ani, navanhu vangu chinyiko, zvatingagona kupa nomwoyo wose kudai? Nokuti zvose zvinobva kwamuri, takangokupai zvakabva paruoko rwenyu.
Shona 2009?
"Asi ini ndini ani, navanhu vangu chinyiko, zvatingagona kupa nomoyo wose kudai? Nokuti zvose zvinobva kwamuri, takangokupai zvakabva paruoko rwenyu.
Shona SUB 2002 Bible
“Asi ini ndini ani, navanhu vangu chiiko, zvatingagona kupa nomwoyo wose kudai? Nokuti zvose zvinobva kwamuri, takangokupai zvakabva paruoko rwenyu.