1 Chronicles 29:17 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
ndinoziʋa ʋo Mŋari waŋgu, kuti imi munoidza mŋoyo, munofarira kururama. Kana ndirini, ndakapa iɀi ɀose nomŋoyo wakarurama nomŋoyo wose; ɀino ndakafara ndiciʋona ʋanhu ʋenyu ʋari pano ʋacikupai nomŋoyo wose.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndinoziva, Mwari wangu, kuti munoedza mwoyo uye munofadzwa nokururama. Zvinhu zvose izvi ndakupai ndichida uye nomwoyo wakatendeka. Uye zvino ndaona ndikafadzwa namapiro aita vanhu venyu vari pano kwamuri nomwoyo unoda.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Mwari wangu ndinoziva kuti munoongorora mwoyo womunhu uye kuti munofarira kururama; nokururama ikoko mumwoyo mangu ndapa zvinhu zvose izvi nomwoyo unoda. Iye zvino ndaonawo vanhu venyu ava vari pano vachikupaiwo zvipo nomwoyo unoda vachifara.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
ndinozivawo Mwari wangu, kuti imi munoidzawo mwoyo, munofanira kurarama. Kana ndirini, ndakapa izvi zvose nomwoyo wakarurama nomwoyo wose; zvino ndakafara ndichiona vanhu venyu vari pano vachikupai nomwoyo wose.
Shona 2009?
ndinozivawo Mwari wangu, kuti imwi munoidzawo moyo, munofanira kurarama. Kana ndirini, ndakapa izvi zvose nomoyo wakarurama nomoyo wose; zvino ndakafara ndichiona vanhu venyu vari pano vachikupai nomoyo wose.
Shona SUB 2002 Bible
ndinozivawo Mwari wangu, kuti imi munoidzawo mwoyo, munofanira kurarama. Kana ndirini, ndakapa izvi zvose nomwoyo wakarurama nomwoyo wose; zvino ndakafara ndichiona vanhu venyu vari pano vachikupai nomwoyo wose.