1 Chronicles 29:2 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ini nesimba raŋgu rose ndakagadzirira imba yaMŋari waŋgu ndarama yokuʋumba nayo ɀinhu ɀendarama, nesirveri yeɀinhu ɀesirveri, nendarira yeɀinhu ɀendarira, namatare eɀinhu ɀamatare, namatanda eɀinhu ɀamatanda; neɀibge ɀeoniksi, neɀibge ɀokuisa mukati, neɀibge ɀoʋukomba, neɀinamaʋara‐maʋara, namamŋe marudzi mazhinji eɀibge ɀinokosha, namabge macena akawanda.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nokuwana kwangu kwose ndapa kutemberi yaMwari wangu, goridhe pabasa regoridhe, sirivha pabasa resirivha, ndarira pabasa rendarira, simbi pabasa resimbi uye matanda pabasa ramatanda, pamwe chete neonikisi, namabwe okuisa mukati namatombo amavara akasiyana-siyana, namamwe mabwe akaurungana amarudzi ose namamwe machena, zvose izvi zvakawanda kwazvo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Nokudaro ndakaunganidzira nepandinogonawo napo imba yaMwari ndarama yokugadzirisa zvinhu zvendarama nesirivhawo yokugadzirisa zvinhu zvesirivha nendarira yokugadzirisa zvinhu zvendarira nesimbi yokugadzirisa zvesimbi namapango okugadzirisa zvinhu zvamapango. Ndakaunganidzawo mirwi nemirwi yamatombo eonikisi neokuisa pazvinhu namatombo eandimoni nematombo amavara mavara nemhando nemhando dzamatombo anokosha nedombo romunyakwe.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Zvino ini nesimba rangu rose ndakagadzirira imba yaMwari wangu ndarama yokuumba nayo zvinhu zvendarama, nesirivha yezvinhu zvesirivha, nendarira yezvinhu zvendarira, namatare ezvinhu zvamatare, namatanda ezvinhu zvamatanda; nezvibwe zveonikisi, nezvibwe zvokuisa mukati, nezvibwe zvoukomba, nezvina mavara-mavara, namamwe marudzi mazhinji ezvibwe zvinokosha, namabwe machena akawanda.
Shona 2009?
"Zvino ini nesimba rangu rose ndakagadzirira imba yaMwari wangu ndarama yokuumba nayo zvinhu zvendarama, nesirivha yezvinhu zvesirivha, nendarira yezvinhu zvendarira, namatare ezvinhu zvamatare, namatanda ezvinhu zvamatanda; nezvibwe zveonikisi, nezvibwe zvokuisa mukati, nezvibwe zvoukomba, nezvina mavara-mavara, namamwe marudzi mazhinji ezvibwe zvinokosha, namabwe machena akawanda.
Shona SUB 2002 Bible
“Zvino ini nesimba rangu rose ndakagadzirira imba yaMwari wangu ndarama yokuumba nayo zvinhu zvendarama, nesirivha yezvinhu zvesirivha, nendarira yezvinhu zvendarira, namatare ezvinhu zvamatare, namatanda ezvinhu zvamatanda; nezvibwe zveonikisi, nezvibwe zvokuisa mukati, nezvibwe zvoukomba, nezvina mavara–mavara, namamwe marudzi mazhinji ezvibwe zvinokosha, namabwe machena akawanda.