1 Chronicles 29:20 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo Davidi akati kuʋuŋgano yose: Ɀino kudzai Jehova Mŋari wenyu. Ipapo ʋuŋgano yose yakakudza Jehova Mŋari wamadziɓaɓa aʋo, ʋakakotamisa misoro yaʋo, ʋakanamata kunaJehova namambo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Dhavhidhi akati kuungano yose, “Rumbidzai Jehovha Mwari wenyu.” Saka vose vakarumbidza Jehovha, Mwari wamadzibaba avo; vakakotamira pasi vakawira pasi nezviso pamberi paJehovha naMambo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Dhavhidhi akazoti kugungano rose, “Rumbidzai Tenzi, Mwari wenyu!” Saizvozvowo gungano rose rakarumbidza Tenzi, Mwari wemadzibaba avo vakati kota kota pasi vachigwadamira Tenzi vakaremekedzawo mambo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo Dhavhidhi akati kuungano yose, “Zvino kudzai Jehovha Mwari wenyu.” Ipapo ungano yakakudza Jehovha Mwari wamadzibaba avo, vakakotamisa misoro yavo, vakanamata kuna Jehovha namambo.
Shona 2009?
Ipapo Dhavhidhi akati kuungano yose, "Zvino kudzai Jehovha Mwari wenyu." Ipapo ungano yakakudza Jehovha Mwari wamadzibaba avo, vakakotamisa misoro yavo, vakanamata kuna Jehovha namambo.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo Dhavhidhi akati kuungano yose, “Zvino kudzai Jehovha Mwari wenyu.” Ipapo ungano yakakudza Jehovha Mwari wamadzibaba avo, vakakotamisa misoro yavo, vakanamata kuna Jehovha namambo.