1 Chronicles 29:22 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
ʋakadya, ʋakanwa pamberi paJehova nomufaro mukuru nezuʋa iro. Ʋakaita Soromoni mŋanakomana waDavidi mambo rwecipiri, ʋakamuzodzera Jehova aʋe mutuŋgamiriri, naZadoki aʋe muprista.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vakadya nokunwa nomufaro mukuru pamberi paJehovha zuva iroro. Ipapo vakazogamuchira Soromoni mwanakomana waDhavhidhi samambo kechipiri, vakamuzodza pamberi paJehovha kuti ave mutongi, uye Zadhoki ave muprista.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vakadya vakanwa pana Tenzi musi iwoyo vachifara zvikuru kwazvo. Vakadzokerera kugadza umambo Soromoni mwanakomna waDhavhidhi vakamuzodza mutungamiriri wokwaTenzi, Zadhoki ari iye mupristi wacho.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
vakadya, vakanwa pamberi paJehovha nomufaro mukuru nezuva iro. Vakaita Soromoni mwanakomana waDhavhidhi mambo rwechipiri, vakamuzodzera Jehovha ave mutungamiriri, naZadhoki ave mupristi.
Shona 2009?
vakadya, vakamwa pamberi paJehovha nomufaro mukuru nezuva iro. Vakaita Soromoni mwanakomana waDhavhidhi mambo rwechipiri, vakamuzodzera Jehovha ave mutungamiriri, naZadhoki ave muprista.
Shona SUB 2002 Bible
vakadya, vakanwa pamberi paJehovha nomufaro mukuru nezuva iro. Vakaita Soromoni mwanakomana waDhavhidhi mambo rwechipiri, vakamuzodzera Jehovha ave mutungamiriri, naZadhoki ave mupristi.