1 Chronicles 29:3 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋuye ɀe, ɀandakaɗa ɀikuru imba yaMŋari waŋgu, ini ɀandinefuma yaŋgu pacaŋgu yendarama nesirveri, ndinoɀipa imba yaMŋari waŋgu, ndiciwedzera paneɀose ɀandakagadzirira imba tȿene;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pamusoro pezvo mukuzvipira, kwangu kutemberi yaMwari wangu zvino ndava kupa upfumi hwangu pachangu hwegoridhe nesirivha kutemberi yaMwari wangu, ndichiwedzera pamusoro pezvose zvandakapa kutemberi iyi tsvene zvinoti:
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Chimwewo ndechokuti, kuwedzera pane izvozvi zvandakaunganidzira imba inoera yacho, ndine upfumiwo hwangu hwendarama nesirivha. Zvino pamusana pechido chandinacho nemba yaMwari wangu ndinohupa kuimba yaMwari wangu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Uyezve, zvandakada zvikuru imba yaMwari wangu, ini zvandine pfuma pachangu yendarama nesirivha, ndinozvipa imba yaMwari wangu, ndichiwedzera pane zvose zvandakagadzirira imba tsvene;
Shona 2009?
Uyezve, zvandakada zvikuru imba yaMwari wangu, ini zvandine fuma pachangu yendarama nesirivha, ndinozvipa imba yaMwari wangu, ndichiwedzera pane zvose zvandakagadzirira imba tsvene;
Shona SUB 2002 Bible
Uyezve, zvandakada zvikuru imba yaMwari wangu, ini zvandine pfuma pachangu yendarama nesirivha, ndinozvipa imba yaMwari wangu, ndichiwedzera pane zvose zvandakagadzirira imba tsvene;