1 Chronicles 4:18 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mukadzi wake muJuda akaɓereka Jeredi ɓaɓa ʋaGedori, naHeberi ɓaɓa ʋaSoko, naJekutieri ɓaɓa ʋaZanoa. Ndiʋo ʋanakomana ʋaBitia mukunda waFarao, wakaŋga akawanikwa naMeredi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mukadzi wake wechiJudha akabereka Jeredhi baba vaGedhori, Hebheri baba vaSoko, naJekutiri baba vaZanoa. Ava ndivo vaiva vana vomwanasikana waFaro ainzi Bhitia akanga aroorwa naMeredhi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mudzimai wake wechiJudha, akamuberekera Jeredhi baba waGedhori kwouya Hebheru baba waSoko kwouyawo Jekutieri baba waZanoa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mukadzi wake muJudha akabereka Jeredhi baba vaGedhori, naHebheri baba vaShoko, naJekutieri baba vaZanoa. Ndivo vanakomana vaBhitia mukunda waFarao, akanga akawanikwa naMeredhi.
Shona 2009?
Mukadzi wake muJudha akabereka Jeredhi baba vaGedhori, naHebheri baba vaSoko, naJekutieri baba vaZanowa. Ndivo vanakomana vaBhitia mukunda waFarao, akanga akawanikwa naMeredhi.
Shona SUB 2002 Bible
Mukadzi wake muJudha akabereka Jeredhi baba vaGedhori, naHebheri baba vaShoko, naJekutieri baba vaZanoa. Ndivo vanakomana vaBhitia mukunda waFarao, akanga akawanikwa naMeredhi.