1 Chronicles 4:41 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Aʋa, ʋakanyorwa mazita aʋo, ʋakaȿika pamazuʋa aHezekia mambo waJuda, ʋakaputsa matente aʋo ʋuye ʋaMeunimi ʋaʋakawana’po, ʋakaʋaparadza cose, kuȿikira nhasi, ʋakagara panyika yaʋo; nokuti kwakaŋga kunamafuro’po amakwai aʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Varume vane mazita akanyorwa vakauya pamazuva aHezekia mambo waJudha. Vakarwisa vaHamu mumatende avo navaMeuniwo vaivapo vakavaparadza zvachose kusvikira nhasi. Ipapo vakazogarapo munzvimbo yavo nokuti paiva namafuro amakwai avo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ivava vakadai kunyorwa namazita, vakasvikako mumazuva aHezekiya mambo wokwaJudha vakaparadza misha yavo pamwechete nevaMenuimu vainge varikowo. Vakavatsakatisa sezvazviri pari nhasi, panzvimbo pavo ivo vakabva vaita misha yavo nokuti kwaiva namafuro ezvipfuwo zvavo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ava, vakanyorwa mazita avo, vakasvika pamazuva aHezekia mambo waJudha, vakaputsa matende avo uye vaMeunimi vakawanapo, vakavaparadza chose, kusvikira nhasi, vakagara panyika yavo; nokuti kwakanga kuna mafuropo amakwai avo.
Shona 2009?
Ava, vakanyorwa mazita avo, vakasvika pamazuva aHezekia mambo waJudha, vakaputsa matende avo uye vaMeunimi vakavawanapo, vakavaparadza chose, kusvikira nhasi, vakagara panyika yavo; nokuti kwakanga kuna mafuropo amakwai avo.
Shona SUB 2002 Bible
Ava, vakanyorwa mazita avo, vakasvika pamazuva aHezekiya mambo waJudha, vakaputsa matende avo uye vaMeunimi vakawanapo, vakavaparadza chose, kusvikira nhasi, vakagara panyika yavo; nokuti kwakanga kuna mafuropo amakwai avo.