1 Chronicles 5:1 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋana ʋaRubeni mŋana weɗaŋgwe waIsraeri, (nokuti ndiye wakaŋga ari weɗaŋgwe; asi ɀaakaȿiɓisa nhoʋo yaɓaɓa ʋake, ʋuɗaŋgwe bgake bgakapiwa ʋanakomana ʋaJosefa mŋanakomana waIsraeri; naiɀoɀo mazita amadziteteguru haaʋereŋgwi noʋuɗaŋgwe.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vanakomana vaRubheni dangwe raIsraeri. (Ndiye aiva dangwe, asi paakasvibisa nhoo yewaniso yababa vake, kodzero dzoudangwe hwake dzakapiwa kuvanakomana vaJosefa mwanakomana waIsraeri; saka haana kuzoverengerwawo munhoroondo dzamadzitateguru ake maererano nekodzero yokuberekwa kwake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvino ndopouyawo vanakomana vaRubheni dangwe raIsiraeri nokuti iye ndiye dangwe asi pari pamusana pokuti akan'oresa pairara baba vake udangwe hwake hwakapiwa vanakomana vaJosefi mwanakomana waIsiraeri. Nokudaro zita rake harisi kudomwa panzvimbo paro pakuberekwa kwake sedangwe.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vana vaRubheni mwana wedangwe waIsiraeri, (nokuti ndiye akanga ari wedangwe; asi zvaakasvibisa nhoo yababa vake, udangwe hwake hwakapiwa vanakomana vaJosefa mwanakomana waIsiraeri; naizvozvo mazita amadzitateguru haaverengwi nohudangwe.
Shona 2009?
Vana vaRubheni mwana wedangwe walsiraeri, (nokuti ndiye akanga ari wedangwe; asi zvaakasvibisa nhovo yababa vake, udangwe hwake hwakapiwa vanakomana vaJosefa mwanakomana waIsiraeri; naizvozvo mazita amadzitateguru haaverengwi nohudangwe.
Shona SUB 2002 Bible
Vana vaRubheni mwana wedangwe waIsiraeri, (nokuti ndiye akanga ari wedangwe; asi zvaakasvibisa nhoo yababa vake, udangwe hwake hwakapiwa vanakomana vaJosefa mwanakomana waIsiraeri; naizvozvo mazita amadzitateguru haaverengwi nohudangwe.