1 Chronicles 5:22 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋazhinji ʋakafa ʋaʋurawa, nokuti kurwa kwaŋga kuri kwaMŋari. Iʋo ʋakagara panɀimbo yaʋo kuȿikira pakutapxa kwaʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
uye vamwe vazhinji vakaurayiwa nokuti kurwa uku kwaiva kwaMwari. Uye vakagara munyika iyoyi kusvikira pakutapwa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
sezvo ruzhinji rwavo rwakanga rwarakatiswa kufa nokuti hondo yacho yakanga iri hondo yaMwari. Vakagara munyika yaivavo kusvikira pakatapwa vanhu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vazhinji vakafa vaurawa, nokuti kurwa kwanga kuri kwaMwari. Ivo vakagara panzvimbo yavo kusvikira pakutapwa kwavo.
Shona 2009?
Vazhinji vakafa vaurawa, nokuti kurwa kwanga kuri kwaMwari. Ivo vakagara panzvimbo yavo kusvikira pakutapwa kwavo.
Shona SUB 2002 Bible
Vazhinji vakafa vaurayiwa, nokuti kurwa kwanga kuri kwaMwari. Ivo vakagara panzvimbo yavo kusvikira pakutapwa kwavo.