1 Chronicles 6:54 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kwaʋaigara, kwaʋaidzika matente aʋo panyika yaʋo, ndiko: Ʋanakomana waAroni, ʋedzimba dzaʋaKohati, nokuti ndiʋo ʋakataŋga kugoʋerwa,
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Idzi ndidzo dzakanga dziri nzvimbo dzavo dzavakagoverwa dzokugara senyika yavo (dzakapiwa kuzvizvarwa zvaAroni, avo vaibva kuimba yaKohati, nokuti mugove wokutanga wakanga uri wavo).
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Uku ndiko kugara kwavakanga vakaita zvichienderana nemamana avo mudunhu rokwavo. Vanakomana vaAroni vemhuri dzokwaKohati vakapiwa kwavo nechin'ange.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kwavaigara, kwavaidzika matende avo panyika yavo, ndiko, vanakomana waAroni, vedzimba dzavaKohati, nokuti ndivo vakatanga kugoverwa,
Shona 2009?
Kwavaigara, kwavaidzika matende avo panyika yavo, ndiko, vanakomana waAroni, vedzimba dzavaKohati, nokuti ndivo vakatanga kugoverwa,
Shona SUB 2002 Bible
Kwavaigara, kwavaidzika matende avo panyika yavo, ndiko, vanakomana waAroni, vedzimba dzavaKohati, nokuti ndivo vakatanga kugoverwa,