1 Chronicles 9:1 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiɀoɀo ʋaIsraeri ʋose ʋakaʋereŋgwa mazita aʋo; tarirai, akanyorwa ose mubuku yamadzimambo aIsraeri. ƲaJuda ʋakazotapxa, ʋakaiswa Babironi nokuɗa kwokuɗarika kwaʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
VaIsraeri vose vakanyorwa munhoroondo dzakanyorwa mubhuku ramadzimambo eIsraeri. VaJudha vakatapwa vakaendeswa kuBhabhironi nokuda kwokusatendeka kwavo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Saizvozvo Isiraeri yose yakanyorwa chizvarwa nechizvarwa izvozvo zvakanyorwa muBhuku reNhoroondo dzaMadzimambo eIsiraeri. VokwaJudha vakatapwa vakaendwa navo kuBhabhironi pamusana pokusatendeka kwavo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Naizvozvo vaIsiraeri vose vakaverengwa mazita avo; tarirai, akanyorwa ose mubhuku yamadzimambo aIsiraeri. VaJudha vakazotapwa, vakaiswa Bhabhironi nokuda kwokudarika kwavo.
Shona 2009?
Naizvozvo vaIsiraeri vose vakaverengwa mazita avo; tarirai, akanyorwa ose mubhuku yamadzimambo alsiraeri. VaJudha vakazotapwa, vakaiswa Bhabhironi nokuda kokudarika kwavo.
Shona SUB 2002 Bible
Naizvozvo VaIsiraeri vose vakaverengwa mazita avo; tarirai, akanyorwa ose mubhuku yamadzimambo aIsiraeri. VaJudha vakazotapwa, vakaiswa Bhabhironi nokuda kwokudarika kwavo.