1 Chronicles 9:22 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Aʋa ʋose, ʋakatsaurwa kuti ʋaʋe ʋatariri ʋamasuʋo, ʋakaȿika mazana maʋiri negumi naʋaʋiri. Aʋa ʋose ʋakaʋereŋgwa mazita aʋo pamisha yaʋo, ʋakaŋga ʋakagadzwa paɓasa raʋo rakatarwa naDavidi naSamueri muʋoni.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vose pamwe chete vakanga vasarudzwa kuti vave vatariri vamasuo pamikova vaisvika mazana maviri negumi navaviri. Vakanga vakanyorwa munhoroondo dzokuberekwa dzemisha yavo. Vatariri vamasuo vakapiwa mabasa avo nenzvimbo dzavo naDhavhidhi naSamueri muoni.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vose ivava vakasarudzwa kuti vave vachengetedzi vokumusuo kwaipindwa nako vaiva mazana maviri ane gumi navaviri. Vakanyorwa chizvarwa nechizvarwa mumisha yavo. Dhavhidhi nomuoni Samueri ndivo vakavagadza pabasa ravo irori.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ava vose, vakatsaurwa kuti vave vatariri vamasuo, vakasvika mazana maviri negumi navaviri. Ava vose vakaverengwa mazita avo pamisha yavo, vakanga vakagadzwa pabasa ravo rakatarwa naDhavhidhi naSamueri muoni.
Shona 2009?
Ava vose, vakatsaurwa kuti vave vatariri vamasuo, vakasvika mazana maviri negumi navaviri. Ava vose vakaverengwa mazita avo pamisha yavo, vakanga vakagadzwa pabasa ravo rakatarwa naDhavhidhi naSamueri muoni.
Shona SUB 2002 Bible
Ava vose, vakatsaurwa kuti vave vatariri vamasuwo, vakasvika mazana maviri negumi navaviri. Ava vose vakaverengwa mazita avo pamisha yavo, vakanga vakagadzwa pabasa ravo rakatarwa naDhavhidhi naSamueri muoni.