1 Chronicles 9:30 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋamŋe ɀe ʋaʋanakomana ʋaʋaprista ʋaifanira kugadzira ɀinonhuwira ɀakaveŋganiswa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi vamwe vavaprista vaiitawo basa rokusanganisa miti inonhuwira.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vamwewo vemba yavapristi vaiva nebasa rokusanganisa twokubikisa tunonhuwirira twacho.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vamwezve vavanakomana vavapristi vaifanira kugadzira zvinonhuwira zvakavenganiswa.
Shona 2009?
Vamwezve vavanakomana vavaprista vaifanira kugadzira zvinonhuhwira zvakavenganiswa.
Shona SUB 2002 Bible
Vamwezve vavanakomana vavapristi vaifanira kugadzira zvinonhuwira zvakavhenganiswa.