1 Corinthians 1:10 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ndinokumbira ɀikuru kwamuri, hama dzaŋgu, nezita raShe weɗu, Jesu Kristu, kuti imi mose mutaure cinhu cimŋe, kuti pakati penyu kurege kuʋa nokupesana; asi kuti musoŋganiswe ɀakanaka pamuraŋgariro mumŋe nokufuŋga kumŋe.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndinokukumbirai zvikuru, hama, muzita raIshe wedu Jesu Kristu, kuti imi mose mutaure chinhu chimwe, kuti pakati penyu parege kuva nokupesana uye kuti mubatanidzwe zvakanaka pamurangariro mumwe nomukufunga.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndinokukumbirisai hama dzangu muzita raTenzi wedu Jesu Kristu kuti mose zvenyu munzwanane uye kuti parege kuva namakakatanwa pakati penyu, kuti mose munzwanane mupfungwa nemwoyo mumwechete.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino ndinokumbira zvikuru kwamuri, hama dzangu, nezita raIshe wedu, Jesu Kristu, kuti imi mose mutaure chinhu chimwe, kuti pakati penyu kurege kuva nokupesana; asi kuti musanganiswe zvakanaka pamurangariro mumwe nokufunga kumwe.
Shona 2009?
Zvino ndinokumbira zvikuru kwamuri, hama dzangu, nezita raShe wedu, Jesu Kristu, kuti imwi mose mutaure chinhu chimwe, kuti pakati penyu kurege kuva nokupesana; asi kuti musonganiswe zvakanaka pamurangariro mumwe nokufunga kumwe.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino ndinokumbira zvikuru kwamuri, hama dzangu, nezita raIshe wedu, Jesu Kristu, kuti imi mose mutaure chinhu chimwe, kuti pakati penyu kurege kuva nokupesana; asi kuti musanganiswe zvakanaka pamurangariro mumwe nokufunga kumwe.