1 Corinthians 1:21 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti noʋucenjeri bgaMŋari, nyika noʋucenjeri bgayo, ɀaisina‐kuziʋa Mŋari, Mŋari wakafadzwa naɀo kuti ʋanotenda aʋaponese noʋupenzi bgokuparidza.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nokuti muuchenjeri hwaMwari, nyika kubudikidza nouchenjeri hwayo, haina kumuziva, Mwari akafadzwa nazvo kuti vanotenda avaponese kubudikidza noupenzi hwezvakaparidzwa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Nokuti ungwaru hwaMwari ihoho hwakaita kuti vanhu vasazive Mwari noungwaru hwavo. Uye zvakafadza Mwari kuponesa vanotenda, vachibatsirwa nezvoupenzi zvatinoparidza.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti nouchenjeri hwaMwari, nyika nouchenjeri hwayo zvaisina kuziva Mwari, Mwari akafadzwa nazvo kuti vanotenda avaponese noupenzi hwokuparidza.
Shona 2009?
Nokuti pashure muvuchenjeri bwaMwari, nyika novuchenjeri bwayo haina kuziva Mwari, nokuti zvakafadza Mwari novupenzi bwokuparidza kuponesa vanotenda.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti nouchenjeri hwaMwari, nyika nouchenjeri hwayo zvaisina kuziva Mwari, Mwari akafadzwa nazvo kuti vanotenda avaponese noupenzi hwokuparidza.