1 Corinthians 1:26 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti tarirai kuɗanwa kwenyu, hama dzaŋgu, kuti haʋazi ʋazhinji ʋakacenjera panyama ʋakaɗanwa; haʋazi ʋazhinji ʋanesimba, haʋazi ʋazhinji ʋanokudzwa;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Hama dzangu, rangarirai zvamakanga muri pamakadanwa. Havazi vazhinji venyu vaiva namasimba; havazi vazhinji vaikudzwa pakuzvarwa kwavo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Yeukai kuti pamakadaidzwa hama dzangu, havasi vangani venyu vakanga vakangwara sokuona kunoita nyika. Havazi vangani venyu vaiva noukuru kana vaiva vokumba huru.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti tarirai kudanwa kwenyu, hama dzangu, kuti havazi vazhinji vakachenjera panyama vakadanwa; havazi vazhinji vane simba, havazi vazhinji vanokudzwa;
Shona 2009?
Nokuti tarirai kudamwa kwenyu, hama dzangu, kuti havazi vazhinji vakachenjera panyama vakadamwa; havazi vazhinji vanesimba, havazi vazhinji vanokudzwa;
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti tarirai kudanwa kwenyu, hama dzangu, kuti havazi vazhinji vakachenjera panyama vakadanwa; havazi vazhinji vane simba, havazi vazhinji vanokudzwa;