1 Corinthians 10:13 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Hakunomuidzo wakakuɓatai imi, asi waʋanhu ʋose; asi Mŋari, wakatendeka, haaŋgatenderi kuti muidzwe kupfuʋura pamunogona napo; asi pamŋe cete nomuidzo, iye ucakupai ʋo nzira yokuɓuɗa nayo, muʋe nesimba rokutsuŋga.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Hakuna muedzo wakakuwirai imi, kunze kwaiwo unowira munhu wose. Uye Mwari akatendeka, haangatenderi kuti muedzwe kupfuura pamunogona napo. Asi kana muchiedzwa, iye achakupai nzira yokubuda nayo kuti mugone kutsunga pairi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Hamuna kumbova nechiedzo chisina kumbowira vamwe. Mwari akatendeka. Haakuregei muchiedzwa zvinopfuura simba renyu. Pamwe nechiedzo anopawo nzira yokupukunyuka nayo kuti ukwanise kuchirwisa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Hakuna muedzo wakakubatai imi, asi wavanhu vose; asi Mwari, akatendeka, haangatenderi kuti muedzwe kupfuura pamunogona napo; asi pamwechete nomuedzo, iye achakupaiwo nzira yokubuda nayo, muve nesimba rokutsunga.
Shona 2009?
Hakunomuidzo wakakubatai imi, asi wavanhu vose; asi Mwari, wakatendeka, haangatenderi kuti muidzwe kupfuvura pamunogona napo; asi pamwe chete nomuidzo, iye uchakupaivo nzira yokubuda nayo, muve nesimba rokutsunga.
Shona SUB 2002 Bible
Hakuna muedzo wakakubatai imi, asi wavanhu vose; asi Mwari, akatendeka, haangatenderi kuti muedzwe kupfuura pamunogona napo; asi pamwechete nomuedzo, iye achakupaiwo nzira yokubuda nayo, muve nesimba rokutsunga.