1 Corinthians 11:13 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Toŋgai imi mumene: Ɀakafanira kuti mukadzi anyeŋgetere kunaMŋari asina‐kufukidzwa here?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Tongai imi pachenyu kuti: Zvakafanira here kuti mukadzi anyengetere kuna Mwari asina kufukidza musoro wake?
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Munozvionawo sei, zvinokodzera here kuti mukadzi anamate kuna Mwari asina kufukidza musoro?
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Tongai imi mumene: Zvakafanira kuti mukadzi anyengetere kuna Mwari asina kufukidzwa here?
Shona 2009?
Tongai imwi mumene: Zvakafanira kuti mukadzi anyengetere kunaMwari asina kufukidzwa here?
Shona SUB 2002 Bible
Tongai imi mumene: Zvakafanira kuti mukadzi anyengetere kuna Mwari asina kufukidzwa here?