1 Corinthians 11:17 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino kana ndicikuʋudzai iɀi, handikurumbidziyi, nokuti hamuʋuŋganiri ɀinopfuʋura nokunaka, asi ɀakaipa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pane zvakarayirwa zvinotevera handikurumbidzei, nokuti hamuunganiri zvakanaka asi zvakaipa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pane zvandavakukudzidzisai iye zvino handikurumbidzei nokuti pamunoungana hapana chakanaka asi zvakaipa zvoga zvoga.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino kana ndichikuudzai izvi, handikurumbidzii, nokuti hamuunganiri zvinopfuura nokunaka, asi zvakaipa.
Shona 2009?
Zvino kana ndichikuvudzai izvi, handikurumbidziyi, nokuti hamuvunganiri zvinopfuvura nokunaka, asi zvakaipa.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino kana ndichikuudzai izvi, handikurumbidzii, nokuti hamuunganiri zvinopfuura nokunaka, asi zvakaipa.