1 Corinthians 11:22 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ko hamunedzimba kwamuŋgadyira nokunwira here? Munoɀidza kereke yaMŋari, mucinyadzisa aʋo ʋasinecinhu here? Ndicaiteiko kwamuri? Ndiŋgakurumbidzai here? Handiŋgakurumbidziyi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ko, hamuna dzimba kwamungadyira nokunwira here? Kana kuti munozvidza kereke yaMwari nokunyadzisa vasina chinhu here? Zvino ndichatiiko kwamuri? Ndingakurumbidzai nokuda kwaizvozvi here? Zvirokwazvo kwete!
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndochii ichocho; hamuna dzimba dzokudyira nokunwira kana kuti kushora sangano raMwari here kana kuti kuda kudukupisa vasina chavanacho? Ndoti kudiiko kwamuri? Ndokurumbidzai here? Kwete handingakurumbidzei.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ko hamuna dzimba kwamungadyira nokunwira here? Munozvidza kereke yaMwari, muchinyadzisa avo vasina chinhu here? Ndichaiteiko kwamuri? Ndingakurumbidzai here? Handingakurumbidzii.
Shona 2009?
Ko hamunedzimba kwamungadyira nokumwira here? Munozvidza kereke yaMwari, muchinyadzisa avo vasinechinhu here? Ndichaiteiko kwamuri? Ndingakurumbidzai here? Handingakurumbidziyi.
Shona SUB 2002 Bible
Ko hamuna dzimba kwamungadyira nokunwira here? Munozvidza Chechi yaMwari, muchinyadzisa avo vasina chinhu here? Ndichaiteiko kwamuri? Ndingakurumbidzai here? Handingakurumbidzii.