1 Corinthians 11:25 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Saiɀoɀo ʋo, ʋakati ʋapedza kurayira, akatora mukombe, akati: Mukombe uyu ndiyo suŋgano itȿa muropa raŋgu; itai iɀi, ŋguʋa dzose kana mucinwa, mucindiraŋgarira.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Saizvozvowo, mushure mechirariro akatora mukombe, achiti, “Mukombe uyu ndiwo sungano itsva muropa rangu; itai izvi nguva dzose kana muchiunwa, muchindirangarira.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akaita zvimwechetezvo nomukombe mushure mechirariro, akati uyu Mukombe wechitenderano chitsva muropa rangu. Itai izvi panguva dzose dzamunounwa kuti mundiyeuke.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Saizvozvowo, vakati vapedza kurarira, akatora mukombe, akati, “Mukombe uyu ndiyo sungano itsva muropa rangu; itai izvi, nguva dzose kana muchinwa, muchindirangarira.”
Shona 2009?
Saizvozvovo, vakati vapedza kurayira, akatora mukombe, akati: Mukombe uyu ndiyo sungano itsva muropa rangu;itai izvi, nguva dzose kana muchimwa, muchindirangarira.
Shona SUB 2002 Bible
Saizvozvowo, vakati vapedza kurarira, akatora mukombe, akati, “Mukombe uyu ndiyo sungano itsva muropa rangu; itai izvi, nguva dzose kana muchinwa, muchindirangarira.”