1 Corinthians 11:27 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiɀoɀo mumŋe nomumŋe unodya ciŋgwa ici, kana kunwa mukombe waShe, nomutoʋo usina‐kufanira, ucaʋa nemhoȿa yomuʋiri neropa raShe.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Naizvozvo ani naani anodya chingwa nokunwa mukombe waShe nomutoo usina kufanira achabatwa nemhosva yokutadzira muviri neropa raShe.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Naizvozvo, ani naani anodya chingwa ichi nokunwa mukombe waTenzi asingakodzeri achapara mhosva yokun'oresa muviri neropa raTenzi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Naizvozvo mumwe nomumwe anodya chingwa ichi, kana kunwa mukombe waIshe, nomutoo usina kufanira, achava nemhosva yomuviri neropa raIshe.
Shona 2009?
Naizvozvo mumwe nomumwe unodya chingwa ichi, kana kumwa mukombe waShe, nomutovo usina kufanira, uchava nemhosva yomuviri neropa raShe.
Shona SUB 2002 Bible
Naizvozvo mumwe nomumwe anodya chingwa ichi, kana kunwa mukombe waIshe, nomutoo asina kufanira, achava nemhosva yomuviri neropa raIshe.