1 Corinthians 11:29 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti unodya nokunwa, asiŋganatsi kunzwisisa muʋiri waShe, unoɀidyira nokuɀinwira kurobga.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nokuti ani naani anodya nokunwa asingacherechedzi muviri waShe anozvidyira nokuzvinwira kutongwa kwake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Nokuti aninani anodya nokunwa asinganyatsoziva kuti muviri anozvidyira nokuzvinwira kutongwa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti anodya nokunwa, asinganatsi kunzwisisa muviri waIshe, anozvidyira nokuzvinwira kurohwa.
Shona 2009?
Nokuti unodya nokumwa, nomutovo usina kufanira unozvidyira nokuzvimwira kurobwa zvaasinganyatsonzwisisa muviri waShe.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti anodya nokunwa, asinganatsi kunzwisisa muviri waIshe, anozvidyira nokuzvinwira kurohwa.