1 Corinthians 11:6 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti kana mukadzi asiŋgafukidzwi, ŋgaacekerwe vudzi rake ʋo; asi kana ɀisiŋgafaniri kuti mukadzi acekerwe vudzi, kana aʋeʋurwe, ŋgaafukidzwe.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kana mukadzi asingafukidzi musoro wake, anofanira kugera bvudzi rake; asi kana zvichinyadzisa mukadzi kuti agerwe bvudzi rake, anofanira kufukidza musoro wake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kana mukadzi asingazvifukidzi musoro ngaaveure vhudzi rake. Zvino kana zviri zvakafumuka kuti mukadzi aguswe kana kuveurwa, ngaazvifukidze musoro nevhoiri.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti kana mukadzi asingafukidzwi, ngaachekerwe vhudzi rakewo; asi kana zvisingafaniri kuti mukadzi achekerwe vhudzi, kana aveurwe, ngaafukidzwe.
Shona 2009?
Nokuti kana mukadzi asingafukidzwi, ngaachekerwe vhudzi rakevo; asi kana zvisingafaniri kuti mukadzi achekerwe vhudzi, kana avevurwe, ngaafukidzwe.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti kana mukadzi asingafukidzwi, ngaachekerwe vhudzi rakewo; asi kana zvisingafaniri kuti mukadzi achekerwe vhudzi, kana aveurwe, ngaafukidzwe.