1 Corinthians 12:12 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti somuʋiri uri mumŋe, unemitezo mizhinji, nemitezo yose yomuʋiri, kunyaŋge iri mizhinji, muʋiri ndomumŋe cete; wakaɗaro ʋo Kristu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Muviri chinhu chimwe chete, kunyange une mitezo mizhinji; uye kunyange mitezo yawo iri mizhinji, inoumba muviri mumwe chete. Ndizvowo zvakaita Kristu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Sezvakangoita muviri kuti mumwechete, asi uine nhengo dzakawanda uye kuti nenhengo dzose idzodzo dzomuviri, kunyange dzakawanda kudaro, muviri mumwechete, ndizvo zvimwechetezvo naKristu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti somuviri uri mumwe, une mitezo mizhinji, nemitezo yose yomuviri, kunyange iri mizhinji, muviri ndomumwechete; wakadarowo Kristu.
Shona 2009?
Nokuti somuviri uri mumwe, unemitezo mizhinji, nemitezo yose yomuviri, kunyange iri mizhinji, muviri ndomumwe chete; wakadarovo Kristu.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti somuviri uri mumwe, une mitezo mizhinji, nemitezo yose yomuviri, kunyangwe iri mizhinji, muviri ndomumwechete; wakadarowo Kristu.