1 Corinthians 12:13 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti muMŋeya mumŋe isu tose takabapatidzirwa mumuʋiri mumŋe; kana tiri ʋaJuda, kana ʋaGiriki, kana ʋaranda, kana ʋakasunuŋguka; isu tose takanwiswa paMŋeya mumŋe.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nokuti tose takabhabhatidzwa noMweya mumwe mumuviri mumwe, vangava vaJudha kana vaGiriki, varanda kana vakasununguka, uye tose tikapiwa kuti tinwe Mweya mumwe.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Chikonzero ndechokuti nokuombekwa kwatakaitwa naMweya mumwechete, tose takaombekwa mumuviri mumwechete, vangave vaJudha kana kuti vaGiriki, vangave varanda kana vasununguki tose takanwa Mweya mumwechete.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti muMweya mumwe isu tose takabhabhatidzwa mumuviri mumwe; kana tiri vaJudha, kana vaGiriki, kana varanda, kana vakasununguka; isu tose takanwiswa paMweya mumwe.
Shona 2009?
Nokuti muMweya mumwe isu tose takabhabhatidzirwa mumuviri mumwe; kana tiri vaJudha, kana vaGiraiki, kana varanda, kana vakasununguka; isu tose takamwiswa paMweya mumwe.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti muMweya mumwe isu tose takabhabhatidzwa mumuviri mumwe; kana tiri vaJudha, kana vaGiriki, kana varanda, kana vakasununguka; isu tose takanwiswa paMweya mumwe.