1 Corinthians 13:2 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kunyaŋge ndine cipo cokuprofita, ndicinzwisisa ɀakaʋanzika ɀose, nokuziʋa kwose; kunyaŋge ndinokutenda kwose, kuti ndibvise makomo, ndisinoruɗo, handizi cinhu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kana ndine chipo chokuprofita uye ndichinzwisisa zvakavanzika zvose noruzivo rwose, uye kana ndino kutenda kunofambisa makomo, asi ndisina rudo, handizi chinhu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kunyange ndiine chipo chokuporofita ndichinzwisisa zvakavandika zvose, ndiine ruzivo rwose; kunyange dai ndiine chitendero chakaperera chinosudurudza makomo asi ndisina rudo hapana zvandiri.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kunyange ndine chipo chokuporofita, ndichinzwisisa zvakavanzika zvose, nokuziva kwose; kunyange ndinokutenda kwose, kuti ndibvise makomo, ndisina rudo, handizi chinhu.
Shona 2009?
Kunyange ndine chipo chokuporofita, ndichinzwisisa zvakavanzika zvose, nokuziva kose; kunyange ndinokutenda kose, kuti ndibvise makomo, ndisinorudo, handizi chinhu.
Shona SUB 2002 Bible
Kunyangwe ndine chipo chokuporofita, ndichinzwisisa zvakavanzika zvose, nokuziva kwose; kunyangwe ndinokutenda kwose, kuti ndibvise makomo, ndisina rudo, handizi chinhu.