1 Corinthians 14:11 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino kana ndisiŋgaziʋi kuti inzwi rinoreʋei, ini ndicaʋa somunhu worumŋe rurimi kunounotaura, nounotaura ucaʋa kwandiri somunhu worumŋe rurimi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino kana ndisinganzwisisi zvinotaurwa nomunhu, ndiri mutorwa kumutauri, uye naiyewo mutorwa kwandiri.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi kana ndisingazivi zvinoreva mutauro iwoyo ndichava wechirudzi kumutauri uye mutauri achava wechirudziwo kwandiri.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino kana ndisingazivi kuti izwi rinorevei, ini ndichava somunhu worumwe rurimi kune anotaura, noanotaura achava kwandiri somunhu worumwe rurimi.
Shona 2009?
Zvino kana ndisingazivi kuti inzwi rinorevei, ini ndichava somunhu worumwe rurimi kuno unotaura, nounotaura uchava kwandiri somunhu worumwe rurimi.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino kana ndisingazivi kuti izwi rinorevei, ini ndichava somunhu worumwe rurimi kune anotaura, noanotaura achava kwandiri somunhu worumwe rurimi.