1 Corinthians 14:15 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino cinyiko? Ndicanyeŋgetera nomŋeya waŋgu, ʋuye ndicanyeŋgetera nokufuŋga kwaŋgu ʋo; ndicaimba nomŋeya waŋgu, ʋuye ndicaimba nokufuŋga kwaŋgu ʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino ndichaiteiko? Ndichanyengetera nomweya wangu, ndichanyengeterawo nokufunga kwangu; ndichaimba nomweya wangu, asi ndichaimbawo nokufunga kwangu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ko zvino ndoita sei? Ndichanamata nomweya uye ndichanamatawo nepfungwa dzangu. Ndichaimba nemweya wangu asi ndichaimbawo nepfungwa dzangu,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino chinyiko? Ndichanyengetera nomweya wangu, uye ndichanyengetera nokufunga kwanguo; ndichaimba nomweya wangu, uye ndichaimba nokufunga kwanguo.
Shona 2009?
Zvino chinyiko? Ndichanyengetera nomweya wangu uye ndichanyengetera nokufunga kwanguvo; ndichaimba nomweya wangu, uye ndichaimba nokufunga kwanguvo.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino chiiko? Ndichanyengetera nomweya wangu, uye ndichanyengetera nokufunga kwanguo; ndichaimba nomweya wangu, uye ndichaimba nokufunga kwanguo.