1 Corinthians 14:2 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti unotaura no rumŋe rurimi haatauri kuʋanhu, asi kunaMŋari; nokuti hakuna‐uno mu nzwa; asi noMŋeya unotaura ɀakaʋanzika.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nokuti ani naani anotaura nendimi haatauri kuvanhu asi kuna Mwari. Zvirokwazvo, hapana anomunzwa; anotaura zvakavanzika mumweya wake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Chikonzero chacho ndechokuti anotaura norurimi rusingazivikanwi haatauri kuvanhu asi kuna Mwari nokuti hapana anomunzwisisa asi anotaura zvakavandika muna Mweya.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti anotaura norumwe rurimi haatauri kuvanhu, asi kuna Mwari; nokuti hakuna anomunzwa; asi anotaura zvakavanzika muMweya.
Shona 2009?
Nokuti unotaura norumwe rurimi haatauri kuvanhu, asi kunaMwari; nokuti hakuna unomunzwa; asi noMweya unotaura zvakavanzika.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti anotaura norumwe rurimi haatauri kuvanhu, asi kuna Mwari; nokuti hakuna anomunzwa; asi anotaura zvakavanzika muMweya.