1 Corinthians 14:26 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ticatiyiko, hama dzaŋgu? Kana muciʋuŋgana, mumŋe nomumŋe unepisarema, unecokudzidzisa, unecakamuzarurirwa, unorumŋe rurimi, unecokuɗudzira. Ŋgaɀiitwe ɀose, kuti musimbiswe.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino tichatiiko, hama? Kana muchiungana, mumwe nomumwe ane rwiyo, kana shoko rokurayira, chaakazarurirwa, ndimi kana kududzira. Zvose izvi ngazviitwe kuti zvisimbise kereke.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ko zvino poitwa sei hama? Pamunoungana, mumwe anenge ane rwiyo, mumwe ane chidzidzo, mumwewo ane zvaakaoneswa, nomumwewo anenge achitaura rurimi rusingazivikanwi kana kududzira, zvose ngazviitwe kuti zvivake sangano.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino tichatiiko, hama dzangu? Kana muchiungana, mumwe nomumwe ane pisarema, ane chokudzidzisa, ane chakamuzarurirwa, anorumwe rurimi, ane chokududzira. Ngazviitwe zvose, kuti musimbiswe.
Shona 2009?
Zvino tichatiyiko, hama dzangu? Kana muchivungana, mumwe nomumwe unepisarema, unechokudzidzisa, unechaakazarurirwa, unorumwe rurimi, unechokududzira. Ngazviitwe zvose, kuti musimbiswe.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino tichatiiko, hama dzangu? Kana muchiungana, mumwe nomumwe ane pisarema, ane chokudzidzisa, ane chakamuzarurirwa, anorumwe rurimi, ane chokududzira. Ngazviitwe zvose, kuti musimbiswe.