1 Corinthians 14:35 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kana ʋaciɗa kudzidza cinhu, ŋgaʋabvunze ʋarume ʋaʋo kumusha; nokuti haɀifaniri kuti mukadzi ataure mukereke.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kana vachida kubvunza chimwe chinhu, ngavabvunze varume vavo kumba; nokuti hazvina kufanira kuti mukadzi ataure mukereke.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kana pane chavanoda kuziva ngavabvunze varume vavo kumba, nokuti chinhu chinonyadzisa kuti mukadzi ataure musangano.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kana vachida kudzidza chinhu, ngavabvunze varume vavo kumusha; nokuti hazvifaniri kuti mukadzi ataure mukereke.
Shona 2009?
Kana vachida kudzidza chinhu, ngavabvunze varume vavo kumusha; nokuti chinhu chinonyadzisa kuti vanhukadzi vataure mukereke.
Shona SUB 2002 Bible
Kana vachida kudzidza chinhu, ngavabvunze varume vavo kumusha; nokuti hazvifaniri kuti mukadzi ataure muchechi.