1 Corinthians 14:5 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ndinoɗa kuti imi mose mutaure nendimi, asi ɀikuru kuti muprofite; unoprofita mukuru kunounotaura nendimi, asi kana aciɗudzira, kuti kereke isimbiswe.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndinoda kuti mumwe nomumwe wenyu ataure nendimi, asi zvikuru kuti muprofite. Anoprofita mukuru kuna anotaura nendimi, asi kunze kwokunge achidudzira, kuti kereke igosimbiswa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvino ndingade zvangu kuti mose mutaure nendimi asi zvikuru kuti muporofite. Anoporofita mukuru kupinda anotaura nendimi dzisingazivikanwi kusatoti mumwe achiturikira kuti sangano risimbiswe.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino ndinoda kuti imi mose mutaure nendimi, asi zvikuru kuti muporofite; anoporofita mukuru kunoanotaura nendimi, asi kana achidudzira, kuti kereke isimbiswe.
Shona 2009?
Zvino ndinoda kuti imwi mose mutaure nendimi, asi zvikuru kuti muprofite; unoporofita mukuru kunounotaura nendimi, asi kana achidudzira, kuti kereke isimbiswe.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino ndinoda kuti imi mose mutaure nendimi, asi zvikuru kuti muporofite; anoporofita mukuru kunoanotaura nendimi, asi kana achidudzira, kuti Chechi isimbiswe.